Proverbs 25

Zvimwe Zvirevo zvaSoromoni

1Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa namachinda aHezekia mambo weJudha:

2Kukudzwa kwaMwari kuviga chinhu;
kunzvera nyaya ndiko kukudzwa kwamadzimambo.

3Sokukwirira kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika,
saizvozvowo mwoyo yamadzimambo haigoni kunzverwa.

4Bvisa marara pasirivha,
panobva pabuda zvinoshandiswa nomuumbi wemidziyo yesirivha;
5bvisa akaipa pamberi pamambo,
ipapo chigaro chake choushe chichasimbiswa kubudikidza nokururama.

6Usazvikudza pamberi pamambo,
uye usazvipa chigaro pakati pavanhu vakuru;
7Zviri nani kuti ati kwauri, “Kwira pano,” pano kuti akunyadzise pamberi pavanhu vanoremekedzwa.

8Zvawakaona nameso ako
usakurumidze kuzvikwidza kumatare edzimhosva,
nokuti uchazoiteiko pamagumo,
kana muvakidzani wako akakunyadzisa?

9Kana uchipikisana nomuvakidzani wako,
usarase chivimbo chomumwe munhu,
10kana kuti uyo achazvinzwa angangokunyadzisa, uye uchazoramba uine chimiro chakaipa.

11Shoko rataurwa nenguva yakafanira
rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.

12Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka,
ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera.

13Nhume yakatendeka kune anoituma
yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa;
inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.

14Samakore nemhepo zvisina mvura,
ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.

15Kubudikidza nomwoyo murefu mutongi anogona kunyengetedzwa,
uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.

16Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa.
17Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako,
ukanyanya kuendapo, achakuvenga.

18Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza,
ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake.

19Sezino rakaora kana tsoka yakaremara,
ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika.

20Souya anokurura nguo musi unotonhora,
kana sevhiniga inodururwa pasoda,
ndizvo zvinoita uyo anoimbira nziyo kumwoyo wakaremerwa.

21Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye;
kana aine nyota, mupe mvura anwe.
22Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake,
uye Jehovha achakupa mubayiro.

23Semhepo yokumusoro inouyisa mvura,
naizvozvo rurimi rwakaipa runouyisa zviso zvakashatirwa.

24Zviri nani kugara pakona redenga reimba
pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.

25Semvura inotonhorera kumweya wakaneta
ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure.

26Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa,
ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa.

27Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji,
kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye.

28Seguta rakakoromoka masvingo
ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata.
Copyright information for SnaBDSC